Romans 5

Mibairo yekururama

1Naizvozvo zvatakanzi takarurama nerutendo, tine rugare kuna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, 2watine mapindirowo naye nerutendo munyasha idzi dzatinomira madziri, tichizvikudza mutariro yekubwinya kwaMwari. 3Zvisati zviri izvo chetewo, asi tichizvikudzawo mumatambudziko, tichiziva kuti dambudziko rinouisa kutsungirira, 4uye kutsungirira kutsiga, nekutsiga tariro; 5uye tariro hainyadzisi, nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumoyo yedu neMweya Mutsvene wakapiwa kwatiri. 6Nokuti tichiri pakushaiwa simba, Kristu panguva yakafanira wakafira vasingadi Mwari. 7Nokuti zvinorema kuti umwe afire wakarurama; nokuti zvimwe kungavapo kunyange angatsunga kufira wakanaka. 8Asi Mwari anosimbisa rudo rwake amene kwatiri, kuti tichiri vatadzi Kristu wakatifira. 9Naizvozvo zvikurusa, ikozvino zvatinonzi takarurama muropa rake, tichaponeswa naye pahasha. 10Nokuti kana pataiva vavengi takayananiswa naMwari nerufu rweMwanakomana wake, kunyanya zvatakayananiswa tichaponeswa muupenyu hwake; 11zvisati zviri izvozvowo chete, asi tinozvikudzawo muna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, watakagamuchira ikozvino naye chiyananiso.

Adhamu naKristu vanofananidzwa

12Naizvozvo, chivi sezvachakapinda munyika nemunhu umwe, nerufu rukapinda nechivi, uye saizvozvo rufu rwakapfuurira kuvanhu vese, nokuti vese vakatadza; 13nokuti kusvika murairo wavapo chivi chakange chiripo panyika; nokuti chivi hachiverengerwi, pasina murairo, 14asi rufu rwakabata ushe kubva kuna Adhamu kusvikira kuna Mozisi, kunyange pamusoro pevakange vasina kutadza zvakafanana sekudarika kwaAdhamu, anova mufananidzo waiye wakange achizouya. 15Asi kwete sekudarika, zvakaitawo chipo chenyasha. Nokuti kana nekudarika kweumwe vazhinji vakafa, kunyanya kazhinji nyasha dzaMwari nechipo zvakawandira vazhinji nenyasha dzemunhu umwe, Jesu Kristu. 16Uye chipo hachina kuita seumwe wakatadza; nokuti kutongwa kwakabva kuneumwe kuchienda mukupiwa mhosva, asi chipo chenyasha chinobva pazvitadzo zvizhinji chichienda mukushaiswa mhosva. 17Nokuti kana nekudarika kweumwe rufu rwakatonga naiyeyu ega, kunyanya ivo vanogamuchira kuwanda kwenyasha nekwechipo chekururama vachatonga paupenyu naiyeyu umwe, Jesu Kristu. 18Naizvozvo sezvo nekudarika kweumwe kutonga kwakauya kuvanhu vese, mukupiwa mhosva, saizvozvowo nekururama kweumwe, nyasha dzakauya kuvanhu vese mukusapiwa mhosva kweupenyu. 19Nokuti sezvo nekusateerera kwemunhu umwe vazhinji vakaitwa vatadzi, saizvozvowo nekuteerera kweumwe, vazhinji vachaitwa vakarurama. 20Asi murairo wakapinda ukawedzera, kuti kudarika kuwande; asi chivi pachakawanda, nyasha dzakawanda nekupfuurisa; 21kuti chivi sezvachakatonga murufu, saizvozvo nenyasha dzitonge nekururama kusvika kuupenyu husingaperi, naJesu Kristu Ishe wedu.

Copyright information for Shona